Micah 6

Jehovha anopa Israeri mhosva

1Teererai zvinotaurwa naJehovha:

“Simukai, taurai nyaya yenyu pamberi pamakomo;
zvikomo ngazvinzwe zvamunoda kutaura.
2Chinzwai imi makomo, kupomera kwaJehovha;
teererai, imi hwaro hwenyika hunogara nokusingaperi.
Nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa vanhu vake;
anopa Israeri mhosva.

3“Vanhu vangu, chiiko chandakakuitirai?
Ndakakuremedzai neiko? Ndipindurei.
4Ndakakubudisai kubva muIjipiti
uye akakudzikinurai kubva munyika youranda.
Ndakatuma Mozisi kuti azokutungamirirai,
naAroniwo naMiriamu.
5Vanhu vangu,
rangarirai zvakaranganwa naBharaki mambo weMoabhu
nezvakapindurwa naBharamu mwanakomana waBheori.
Rangarirai rwendo rwenyu kubva kuShitimu kusvika kuGirigari,
kuti mugoziva mabasa akarurama aJehovha.”

6Ndichauya neiko pamberi paJehovha.
Uye ndigokotama sei pamberi paMwari anokudzwa?
Ndingauye pamberi pake nezvibayiro
zvinopiswa nemhuru dzine gore rimwe here?
7Ko, Jehovha angafadzwa nezviuru zvamakondobwe,
uye nezviuru gumi zvenzizi dzamafuta here?
Ndingapa dangwe rangu nokuda kwokudarika kwangu,
icho chibereko chomuviri wangu pamusoro pokutadza kwomweya wangu here?
8Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi.
Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri?
Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni,
nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.

Mhosva yeIsraeri nokurangwa kwayo

9Teererai! Jehovha anodanidzira kuguta,
uye kutya zita renyu ndihwo uchenjeri:
“Chenjererai shamhu naIye akaituma.
10Ndichazokanganwa here, iwe imba yakaipa,
upfumi hwako hwakawanikwa nenzira dzakaipa,
nechiero cheefa chakatapudzwa, chakatukwa?
11Ndingaregerera munhu ane chiero
chinonyengera nesaga rezviero zvenhema here?
12Vapfumi vake vanoita nechisimba;
vanhu vake varevi venhema,
uye miromo yavo inotaura nokunyengera.
13Naizvozvo, ndatotanga kukuparadzai,
kukuitai dongo nokuda kwezvivi zvenyu.
14Muchadya asi hamungaguti:
dumbu renyu richaramba risina chinhu.
Muchaisa mudura asi mugoshaya zvamachengeta,
nokuti zvamunounganidza ndichazviparadza nomunondo.
15Muchadyara asi hamungakohwi;
muchasvina maorivhi asi hamungazori mafuta acho,
muchasvina mazambiringa asi hamunganwi waini yacho.
16Makachengeta zvirevo zvaOmuri
uye namabasa ose eimba yaAhabhu, uye makatevera tsika dzavo.
Naizvozvo ndichakuisai mukuparadzwa,
nevanhu venyu mukusekwa;
muchatakura kushorwa kwendudzi.”
Copyright information for SnaBDSC